APOCALYPTIC GLORY
Tarirayi, Anovuya nemumakore!
Maziso ose achamuona!
Kunyangwe vakamubaya,
Vachachema pamberi pake.
Ndakaona Mumwe akafanana noMwanakomana womunhu,
Akafukidzwa nekubwinya.
Maziso ake semurazvo wemoto,
Inzwi rake semvura zhinji.
Chiso chake chakapenya sezuva,
Simba rake risingaperi.
Makiyi erufu nerufu zvacho, Zviri muruvoko rwake.
Akati, “Usatya!”
“Ndini Wokutanga noWokupedzisira!”
Ndakafa asi zvino ndiri mupenyu,
Nokusingaperi-peri!
Apocalyptic Glory!
Kubwinya kwakazarurwa!
Mambo ari pachigaro!
Anotonga nokusingaperi!
Apocalyptic Glory!
Simba risingaperi!
Ishe Jesu vakakunda!
Kubwinya nokusingaperi!
Makore anovhurika!
Ngirozi dzinoridza hwamanda!
Marudzi ose anokotama!
Mambo vanoratidzwa!
Wokutanga! Wokupedzisira!
Ari mupenyu nokusingaperi!
Mambo weKubwinya!
Tinokukudzayi!
Mambo weKubwinya!
Mambo weKubwinya!
Ishe Jesu!
Apocalyptic Glory!!!
.....Ndini hangu muparidzi wenguva the preacher cj sam